Paakaziva izvi, akaenda kumba kwaMaria amai vaJohani aiva nerimwe zita rainzi Mako kwakanga kwaunganwa navanhu vazhinji vachinamata. Paakagogodza pagonhi resuo guru, musikana ainzi Rodha akauya kuzonzwa kuti ndiani. Paakaziva kuti izwi iri nderaPita pamusana pokufara haana kuzarura suo guru asi akamhanyira makare akataura kuti, “Pita akamira pasuo guru.” Vakamuti, “Wavakupenga iwe!” Paakaramba achingoti ndizvo chaizvo, vakati angatova mutumwa wake. Asi Pita akaramba achigogodza. Pavakazarura vakamuona vakashamiswa kwazvo. Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo. Pakwakaedza rakave besanwa pakati pamasoja kuti chii chakanga chaitika kuna Pita. Herodhi paakamutsvaka akamushaya. Akabvunzisisa varindi akati, “Vanofanira kuurawa.” Herodhi akadzika kuSezaria achibva Judhea akagarako.
Verenga chikamu Mabasa 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 12:12-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo