Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 12:12-19

Mabasa 12:12-19 SNA2002

Zvino akati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohani, ainzi Mako; vazhinji vakanga vakaunganapo, vachinyengetera. Zvino akati agogodza pagonhi resuo, musikana ainzi Rhoda akauya kuzoteerera. Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suo nomufaro, asi akamhanhyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuo. Ivo vakati kwaari, “Unopenga.” Asi iye akasimbisa achiti, “Ndizvozvo.” Ivo vakati, “Mutumwa wake.” Asi Petirosi akaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuona, vakashamiswa. Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.” Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti, “Petirosi aitwa sei.” Herodhi akati amutsvaka, akamushayiwa, ndokubvunzisisa varindi, akarayira kuti vandourawa. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogarako.

Verenga chikamu Mabasa 12