Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro. Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari. Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose. Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani. Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye. Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti. Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi; uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa. Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.” Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri. Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi, nokuti vakanzwa vachitaura nendimi uye vachirumbidza Mwari. Ipapo Pita akati, “Pana angarambidze here kuti vanhu ava vaombekwe nemvura vadai kugashira Mweya Mutsvene sokugamuchira kwatakamuita?” Akabva ati ngavaombekwe muzita raJesu Kristu. Vakazomukumbira kuti ambogara navo kwamazuva akati kuti.
Verenga chikamu Mabasa 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 10:34-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo