Ipapo Petirosi akashamisa muromo wake akati,
“Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.
“Ndiro shoko, raakatuma kuvana vaIsiraeri, achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose). Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGariria, shure kwokubhabhatidza kwakaparidzwa naJohani; raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye. Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusaremu; ndiye wavakauraya, vachimuturika pamuti.
“Ndiye akamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti aonekwe pachena; akasaonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
“Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe anotenda kwaari achapiwa ruregerero rwezvivi.”
Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko.
Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo; nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Kuno munhu here angadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?” Zvino akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.