Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 4:1-5

2 Timoti 4:1-5 SCLB

Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake. Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano. Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako.

Verenga chikamu 2 Timoti 4