Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 3:12-17

2 Timoti 3:12-17 SCLB

Vose vanoda upenyu hwokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa asi vanhu vakaipa navanobata vanhu kumeso vanoramba vachinyanya kutadza vachinyengedza vamwe ivowo vachinyengedzwa. Asi iwe ramba uri munezvawakadzidza uye zvawadavira nemwoyo wose uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani. Unofanira kuziva kuti waiziva kubvira pauduku hwako Magwaro Matsvene anokwanisa kukudzidzisa kuti uponeswe nechitendero chako muna Kristu Jesu. Magwaro Matsvene ose akafemerwa naMwari uye ane basa pakudzidzisa napakutsiura napakugadziridza munhu uye pakudzidzisa kuita zvakanaka kuti munhu waMwari ave akakwana akagadzirira basa ripi neripi rakanaka.

Verenga chikamu 2 Timoti 3