Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 3:12-17

2 Timoti 3:12-17 SNA2002

Zvino, navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa. Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo. Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani, kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Magwaro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.

Verenga chikamu 2 Timoti 3