2 Samueri 5
5
KUGADZWA KWAKAITWA DHAVHIDHI UMAMBO HWEISIRAERI YOSE
(2 Nhor 11:1–9; 14:1–7)
1Madzinza ose okwaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni akati, “Zvamuchione, izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi. 2Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ” 3Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri. 4Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakatanga kutonga, akatonga kwamakumi mana amakore. 5Akatonga vokwaJudna kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu ari kuHebhuroni. Akazotongawo kwaIsiraeri kwose nokwaJudha kwamakore makumi matatu namatatu ari kuJerusaremu.
6Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda. 7Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira Guta retsvingo reZioni ndorakarewo rinonzi guta raDhavhidhi. 8Musi iwoyo Dhavhidhi akati, “Anenge achida kuuraya vaJebhusi ngaakwidze nomumugero wemvura uyu arwise zvirema namapofu vandiri kuvenga kwazvo ini Dhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “Mapofu nezvirema havafaniri kupinda muTembere.” 9Dhavhidhi akagara nhare yokuzvidzivirira muhondo akaitumidza zita rokuti Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pakaitwa zvokuzadzwa mavhu#5:9 Pakaitwa zvokuzadzwa mavhu: Mune mamwe maBhaibhiri makanzi miro. zvichienda mukati. 10Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, Mwari wegurusvusvu rehondo aiva naye.
11Hiramu, mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume nemapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda. 12Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri.
13Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi navarongo kuJerusaremu mushure mokunge atama kuHebhuroni. Dhavhidhi akaberekazve vamwe vana vakomana navasikana. 14Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni; 15kwouya Ibhari naErishua naNefegi naJafia; 16ndokuzouya Erishama naEriyadha naErifareti.
Kukurira kwakaita Dhavhidhi vaFirisitia
(1 Nhor 14:8–17)
17VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokwaIsiraeri, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi, asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akabva aenda kunzvimbo yokuzvidzivirira muhondo. 18VaFirisitia vakauya ndokuita zararira nebani revaRefaimu. 19Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anotii nazvo, akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako, nokuti zviri zvokuvaisa mumaoko ako, ndichavaisa mumaoko ako.”
20Nokudaro Dhavhidhi akaenda kuBhaariperizimu. Dhavhidhi akavakurira ikoko akati, “Tenzi andieredzera vavengi vangu sokueredza kunoita mafashamo emvura.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhaariperazimu. 21VaFirisitia vakasiya zvifananidzo zvavo zvokunamata; Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.
22VaFirisitia vakauya zvakare ndokuita zararira nebani rokuvaRefaimu. 23Dhavhidhi paakada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, Mwari akati, “Rega kubva wananga pavari. Asi ita zvokuvanyangira neseri kwavo uvafute nokumiti yemibharisamu. 24Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobvawo mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.” 25Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya vaFirisitia kubvira kuGebha kusvikira kuGezeru.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.