Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 5:11-25

2 Samueri 5:11-25 SCLB

Hiramu, mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume nemapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda. Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri. Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi navarongo kuJerusaremu mushure mokunge atama kuHebhuroni. Dhavhidhi akaberekazve vamwe vana vakomana navasikana. Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni; kwouya Ibhari naErishua naNefegi naJafia; ndokuzouya Erishama naEriyadha naErifareti. VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokwaIsiraeri, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi, asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akabva aenda kunzvimbo yokuzvidzivirira muhondo. VaFirisitia vakauya ndokuita zararira nebani revaRefaimu. Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anotii nazvo, akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako, nokuti zviri zvokuvaisa mumaoko ako, ndichavaisa mumaoko ako.” Nokudaro Dhavhidhi akaenda kuBhaariperizimu. Dhavhidhi akavakurira ikoko akati, “Tenzi andieredzera vavengi vangu sokueredza kunoita mafashamo emvura.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhaariperazimu. VaFirisitia vakasiya zvifananidzo zvavo zvokunamata; Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo. VaFirisitia vakauya zvakare ndokuita zararira nebani rokuvaRefaimu. Dhavhidhi paakada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, Mwari akati, “Rega kubva wananga pavari. Asi ita zvokuvanyangira neseri kwavo uvafute nokumiti yemibharisamu. Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobvawo mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.” Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya vaFirisitia kubvira kuGebha kusvikira kuGezeru.

Verenga chikamu 2 Samueri 5