Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 5:11-25

2 Samueri 5:11-25 SNA2002

Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari, navavezi, navavaki, vakavakira Dhavhidhi imba. Zvino Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha wakanga amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakanga akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri. Dhavhidhi wakati abva Hebhuroni, akazvitorera vamwe varongo navakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana navanasikana. Ndiwo mazita avakaberekerwa Jerusaremu: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni, naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia, naErishama, naEriadha, naErifereti. Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti Dhavhidhi wakanga azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akaburukira kunhare. VaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu. Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, “Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi, “Kwira, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.” Dhavhidhi akasvika paBhaari‐perazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo. Akati, “Jehovha wakapwanya vavengi vangu pamberi pangu, sokupwanya kwemvura.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo Bhaari‐perazimi. Vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitora. VaFirisitia vakauyazve, vakapararira pamupata weRefaimu. Zvino Dhavhidhi wakati achibvunza Jehovha, iye akati, “Usakwira, asi upote shure kwavo, ugovavamba pakatarisana nemiti yemimaribheri. Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.” Dhavhidhi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akaparadza vaFirisitia kubva paGebha kusvikira paGezeri.

Verenga chikamu 2 Samueri 5