Madzinza ose okwaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni akati, “Zvamuchione, izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi. Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ” Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakatanga kutonga, akatonga kwamakumi mana amakore. Akatonga vokwaJudna kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu ari kuHebhuroni. Akazotongawo kwaIsiraeri kwose nokwaJudha kwamakore makumi matatu namatatu ari kuJerusaremu. Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda. Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira Guta retsvingo reZioni ndorakarewo rinonzi guta raDhavhidhi. Musi iwoyo Dhavhidhi akati, “Anenge achida kuuraya vaJebhusi ngaakwidze nomumugero wemvura uyu arwise zvirema namapofu vandiri kuvenga kwazvo ini Dhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “Mapofu nezvirema havafaniri kupinda muTembere.” Dhavhidhi akagara nhare yokuzvidzivirira muhondo akaitumidza zita rokuti Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pakaitwa zvokuzadzwa mavhu zvichienda mukati. Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, Mwari wegurusvusvu rehondo aiva naye.
Verenga chikamu 2 Samueri 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Samueri 5:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo