2 Samueri 5:1-10
2 Samueri 5:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ ” Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana. MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu. Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.” Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi. Pazuva iro, Dhavhidhi akati, “Wose anoda kukunda vaJebhusi ngaatange apinda nomugero wemvura kuti asvike pane ‘zvirema namapofu’ vanova ndivo vavengi vaDhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “ ‘Mapofu nezvirema’ vasapinda muimba yaMambo.” Dhavhidhi akagara munhare uye akaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka nzvimbo yose yakaipoteredza, kubva panheyo dzaitsigira rusvingo zvichipinda mukati. Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye.

2 Samueri 5:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, “Tarirai tiri mapfupa enyu nenyama yenyu. Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri. Dhavhidhi wakanga ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana. Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose. Iye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, “Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akati nezuva iro, “Ani nani unoparadza vaJebhusi, ngaakwire kumugero wemvura, auraye zvirema namapofu, vanovengwa nomweya waDhavhidhi.” Naizvozvo vanoti, “Mapofu nezvirema havangapindi mumba.” Dhavhidhi akagara munhare, akaitumidza guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka kunhivi dzose, kubva paMiro, zvichipinda mukati. Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha, Mwari wehondo, wakanga anaye.
2 Samueri 5:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzinza ose okwaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni akati, “Zvamuchione, izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi. Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ” Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakatanga kutonga, akatonga kwamakumi mana amakore. Akatonga vokwaJudna kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu ari kuHebhuroni. Akazotongawo kwaIsiraeri kwose nokwaJudha kwamakore makumi matatu namatatu ari kuJerusaremu. Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda. Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira Guta retsvingo reZioni ndorakarewo rinonzi guta raDhavhidhi. Musi iwoyo Dhavhidhi akati, “Anenge achida kuuraya vaJebhusi ngaakwidze nomumugero wemvura uyu arwise zvirema namapofu vandiri kuvenga kwazvo ini Dhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “Mapofu nezvirema havafaniri kupinda muTembere.” Dhavhidhi akagara nhare yokuzvidzivirira muhondo akaitumidza zita rokuti Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pakaitwa zvokuzadzwa mavhu zvichienda mukati. Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, Mwari wegurusvusvu rehondo aiva naye.
2 Samueri 5:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino marudzi ose aʋaIsraeri akaʋuya kunaDavidi paHebroni, akataura, akati: Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu. Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri. Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo paHebroni, mambo Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri. Davidi wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anamakumi manna. Akaɓata ʋushe paHebroni paʋaJuda makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋo ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu paʋaIsraeri naʋaJuda ʋose. Iye mambo naʋanhu ʋake ʋakaenda Jerusarema kundorwa naʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; iʋo ʋakataura naDavidi, ʋakati: Hauŋgapindi pano, mapofu neɀirema ʋaŋgakudziŋga, nokuti ʋakati, Davidi haaŋgapindi pano. Kunyaŋge ɀakaɗaro Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi. Davidi akati nezuʋa iro: Aninani unoparadza ʋaJebusi, ŋgaakwire kumugero wemvura, aʋuraye ɀirema namapofu, ʋanoʋeŋgwa nomŋeya waDavidi. Naiɀoɀo ʋanoti: Mapofu neɀirema haʋaŋgapindi mumba. Davidi akagara munhare, akaitumidza guta raDavidi. Davidi akaʋaka kunhiʋi dzose, kubva paMiro, ɀicipinda mukati. Davidi akaramba acikura, nokuti Jehova, Mŋari wehondo, wakaŋga anaye.
2 Samueri 5:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)