Ɀino marudzi ose aʋaIsraeri akaʋuya kunaDavidi paHebroni, akataura, akati: Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu. Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri. Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo paHebroni, mambo Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri. Davidi wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anamakumi manna. Akaɓata ʋushe paHebroni paʋaJuda makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋo ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu paʋaIsraeri naʋaJuda ʋose. Iye mambo naʋanhu ʋake ʋakaenda Jerusarema kundorwa naʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; iʋo ʋakataura naDavidi, ʋakati: Hauŋgapindi pano, mapofu neɀirema ʋaŋgakudziŋga, nokuti ʋakati, Davidi haaŋgapindi pano. Kunyaŋge ɀakaɗaro Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi. Davidi akati nezuʋa iro: Aninani unoparadza ʋaJebusi, ŋgaakwire kumugero wemvura, aʋuraye ɀirema namapofu, ʋanoʋeŋgwa nomŋeya waDavidi. Naiɀoɀo ʋanoti: Mapofu neɀirema haʋaŋgapindi mumba. Davidi akagara munhare, akaitumidza guta raDavidi. Davidi akaʋaka kunhiʋi dzose, kubva paMiro, ɀicipinda mukati. Davidi akaramba acikura, nokuti Jehova, Mŋari wehondo, wakaŋga anaye.
Verenga chikamu II Samueri 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: II Samueri 5:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo