Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 5:1-10

II Samueri 5:1-10 SUB1949

Ɀino marudzi ose aʋaIsraeri akaʋuya kunaDavidi paHebroni, akataura, akati: Tarirai tiri mafupa enyu nenyama yenyu. Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri. Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo paHebroni, mambo Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri. Davidi wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anamakumi manna. Akaɓata ʋushe paHebroni paʋaJuda makore manomŋe nemŋedzi mitanhatu; akaɓata ʋo ʋushe paJerusarema makore makumi matatu namatatu paʋaIsraeri naʋaJuda ʋose. Iye mambo naʋanhu ʋake ʋakaenda Jerusarema kundorwa naʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; iʋo ʋakataura naDavidi, ʋakati: Hauŋgapindi pano, mapofu neɀirema ʋaŋgakudziŋga, nokuti ʋakati, Davidi haaŋgapindi pano. Kunyaŋge ɀakaɗaro Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi. Davidi akati nezuʋa iro: Aninani unoparadza ʋaJebusi, ŋgaakwire kumugero wemvura, aʋuraye ɀirema namapofu, ʋanoʋeŋgwa nomŋeya waDavidi. Naiɀoɀo ʋanoti: Mapofu neɀirema haʋaŋgapindi mumba. Davidi akagara munhare, akaitumidza guta raDavidi. Davidi akaʋaka kunhiʋi dzose, kubva paMiro, ɀicipinda mukati. Davidi akaramba acikura, nokuti Jehova, Mŋari wehondo, wakaŋga anaye.