Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 12:1-6

2 Samueri 12:1-6 SCLB

Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo. Mupfumi wacho aiva nemombe nezvimwe zvipfuwo namatanga. Asi murombo akanga asina nechinhu chose achingova chete nehwayana sheshe yaakanga atenga. Akairera ikakura ainayo pamwechete navana vake. Chaaidya ndochayaidyawo ichinwirawo mumukombe wake, ichitorara zvayo mumaoko ake, ichinge mwanasikana kwaari. Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.” Dhavhidhi akavirukira munhu iyeyo nehasha akati kuna Natani, “NaTenzi chaiye mupenyu, munhu iyeyo anofanira kufa. Anofanira kuripa hwayana iyoyo kakapetwa kana pamusana pezvaakaita izvozvo uye pamusana pokuti haana kuita tsitsi.”