Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 12:1-6

2 Samueri 12:1-6 SNA2002

Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, “Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akapfuma, asi mumwe wakanga ari murombo. Mupfumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo; asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake. Zvino mufambi wakati achisvika kumupfumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.” Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, “NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa. Uye unofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.”