Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 11:2-4

2 Samueri 11:2-4 SCLB

Zvakaitika kuti manheru zuva rarereka Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake ofamba-famba zvake padenga remba yamambo, ari padengapo akaona mukadzi aishamba muviri. Mukadzi uya akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi iyeyo ndiani. Mumwe akati, “Haasi Bhatishebha here, mwana waEriamu mudzimai waUriya muHiti?” Dhavhidhi ndokutuma nhume dzakandomutora. Mukadzi uyu akauya kwaari. Dhavhidhi akapinda mumba nomukadzi uyu. (Izvozvo mukadzi uyu ainge achitozvichenura pakun'ora kwaakanga aita.) Mukadzi uyu akazodzokera zvake kumba kwake.