Dhavhidhi akagurukuta kuchema Sauro nomwana wake Jonatani achiimba rwiyo rwengondo. Akati rudzidziswe vedzinza rokwaJudha. Zvino ngondo yacho ino iyi yakanyorwa muBhuku raJashari, rinoti: “Vanodadisa Isiraeri vacho vachiti kata kata kufa, vachiti kata kata pamitunhu yenyu yakatunhumara. Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata kudai? Dai mangorega zvenyu kuzvitaura kuGati, kunyange zvako kuzviparidzira muAshikeroni. Vanasikana vavaFirisitia vangadaro vakapembera kufara. Vanasikana vavanhu vasina kudzingiswa vakazvitutumadza. “Imi makomo eGiribhoa pamusoro penyu, dova ngarirege kudonherapo, kana mvura ngairege kunayapo, parege kuva neminda inopa mbeswa zhinji; nokuti nhoo dzamagamba dzakafumurirwa ipapo. Nhoo yaSauro, zvokuzorwa mafuta zvakapera. Museve waJonatani wakanga usingadzoke, usina ropa rewainge wauraya. Bakatwa raSauro haraidzoka risina mafuta amagamba. “Sauro naJonatani kuvanhu, vaiva vepamoyo chaivo. Naivowo pachavo vari vanhu vakanaka. Upenyu hwavo hwose kusvikira parufu, havana kumbopararana. Pakumhanya gondo raisara pasi, pasimba dziri mvumba chaidzo kupfuura shumba. “Imi vanasikana veIsiraeri, chemai Sauro ndiye aikupfekedzai hanzu tsvuku dzamandiriri, aiisa zvishongo zvendarama pazvipfeko zvenyu. “Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata mukati mehondo kudai? Jonatani chaiye achiti rashu, kufa pamitunhu yenyu yakatunhumara. “Zvako zvandishungurudza mwoyo, mukoma wangu Jonatani kwandiri, wanga uri wapamwoyo chaiye. Kundida kwako kwanga kusingatauriki, kwaikunda rudo rwavanhukadzi. “Zvauya sei chokwadi, magamba kuti rakata kudai, zvombo zvenyu zvehondo kuparara kudai?”
Verenga chikamu 2 Samueri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Samueri 1:17-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo