Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Pita 1:3-8

2 Pita 1:3-8 SCLB

Simba rake rouMwari rakatiwanisa zvinhu zvose zvinopa upenyu uye unamati hwechokwadi pamusana pokuziva iye akatidaidza kumbiri yake nokurunako rwake. Nenzira iyoyi akatipa zvitsidzo zvakakosha uye zvakakura kwazvo kuti nazvo mupunyuke kuora kuri panyika pamusana pehavi muchiva nomugove muumwari. Nokuda kwechikonzero ichochi edzai nokwamunogona kose kuwedzera chitendero nezviito zvakarurama, pazviito zvakanaka wedzerai ruzivo, paruzivo wedzerai kuzvibata, pakuzvibata wedzerai kutsungirira, pakushingirira kwenyu muwedzere unamati paunamati muwedzere kudana sehama nehama, pakudana sehama nehama muwedzerewo rudo. Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu

Verenga chikamu 2 Pita 1