nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muhupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka; akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nokuchiva. Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
Verenga chikamu 2 Petirosi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Petirosi 1:3-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo