Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Pita 1:16-18

2 Pita 1:16-18 SCLB

Hatina kutevedza ngano dzokungofungira patakakuzivisai nezvesimba uye nezvekuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Takanga tiri zvapupu zvakazvionera nameso ukuru ukuru hwake nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.” Takanzwa izwi iri richibva kudenga nokuti takanga tinaye pagomo rinoera riya.

Verenga chikamu 2 Pita 1