Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona humambo hwake. Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.” Izwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.
Verenga chikamu 2 Petirosi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Petirosi 1:16-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo