Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 24

24
1Panguva yaJehoyakimu Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya, ndokubva Jehoyakimu ava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazodzoka omupandukira. 2Tenzi akamutumira zvikwata zvavaKaridhea nezvikwata zvevaSiria nezvikwata zvavaMoabhu nezvikwata zvavaAmoni. Akazvitumira kundorwisa kwaJudha kuti vaparadze sokumbotaura kwakaita Tenzi nomuromo wavaranda vake vaporofita. 3Izvozvi zvinofanira kunge chete zvakawira vokwaJudha ari Tenzi ainge atotema kuti zviitike kuti avabvise pameso pake pamusana pezvitadzo zvaManase maererano nezvose zvaakanga aita 4uye napamusana peropa risina mhosva raakadeura nokuti akanga azadza Jerusaremu neropa risina mhosva. Zvino Tenzi akaramba kuregerera izvozvi. 5Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaJudha. 6Jehoyakimu uyu akazovata oendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo pake.
7Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika make nokuti mambo weBhabhironi akanga zvino atorera mambo weIjipiti zvose zvaaiva nazvo kubvira kukakova keIjipiti kusvikira kurwizi rwaYufuratesi.
Jehoyakini mambo wokwaJudha (598—597 K.A.A.)
(2 Nhor 36:9–10)
8Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani wokuJerusaremu. 9Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvakaitwa nababa vake.
10Panguva iyoyo machinda aNebhukadhineza mambo weBhabhironi akakwira kuJerusaremu akarikomba. 11Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akavinga guta irori, machinda ake akarikomba. 12Jehoyakini mambo wokwaJudha akazviisa mumaoko amambo weBhabhironi, iye naamai vake namakurukota navanakomana vake navakuru vakuru vomumuzinda make. Mambo weBhabhironi akamuita mubatwa wake mugore rechisere rokutonga kwake. 13Akatakura upfumi hwose hwomumba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo. Akajajada midziyo yose yendarama yaiva mumba yaTenzi kuita zvidimbu zvidimbu. Ndiyo midziyo iya yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsiraeri sokutaura kwakanga kwaita Tenzi. 14Akatapa Jerusaremu yose vaiti: vana vamambo vose namagamba ose okurwa vari nhapwa dzaisvika gumi rezviuru, kwoti nyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare. Hapana akasara kusiya chete varombowo zvavo vokupedzesera chaivo vomunyika imomo.
15Akatakura Jehoyakini kuBhabhironi naamai vake iye mambo navakadzi vamambo namakurukota ake namadzishe omunyika iyi akavatapa muJerusaremu akaenda navo kuBhabhironi. 16Mambo weBhabhironi akatapa magamba ose okurwa aisvika zviuru zvinomwe nenyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare vaisvika chiuru akaenda navo kuBhabhironi. Vose ivava vaiva vanhu vakasimba vakasvikawo chaivo vaigona kurwa muhondo.
17Mambo weBhabhironi akaita Mataniya babamudiki waJehoyakini mambo panzvimbo pake akamusandura zita omutumidza rokuti Zedhekiya.
Zedhekiya mambo wokwaJudha
(2 Nhor 36:11–12; Jer 52:1–3a)
18Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna. 19Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi achitevedzera zvose zvakanga zvaitwawo naJehoyakimu. 20Zvakazosvitsa pokuti Tenzi abvise Jerusaremu nenyika yevokwaJudha pameso pake pamusana pokushatirwa kwaakanga aita. Zedhekiya akazopandukira mambo weBhabhironi.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 24: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda