Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu. Uku hakusi kuda kukutaurirai zvatiri zvakare asi kuti muwane chikonzero chokuti mudade nesu kuti mukwanise kupindura avo vanozvikudza pamusana pechimiro chomunhu panze pokuzvikudza nounhu hwomunhu. Kana tichiita setinorasa njere, tinozviitira Mwari uye kana tichiita savanhu kwavo tinoitira imi. Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari. Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 5:11-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo