2 VaKorinde 5:11-21
2 VaKorinde 5:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu. Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo. Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa. Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo. Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
2 VaKorinde 5:11-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaIshe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kuna Mwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwawo muhana dzenyu. Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinoonekwa, vasingavimbi nezvomwoyo. Nokuti kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe akafira vose, zvino vose vakafa; zvino iye akafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo akafa nokumutswa nokuda kwavo. Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo. Saka kana munhu ari muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva. Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti, “Yananiswai naMwari.” Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
2 VaKorinde 5:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu. Uku hakusi kuda kukutaurirai zvatiri zvakare asi kuti muwane chikonzero chokuti mudade nesu kuti mukwanise kupindura avo vanozvikudza pamusana pechimiro chomunhu panze pokuzvikudza nounhu hwomunhu. Kana tichiita setinorasa njere, tinozviitira Mwari uye kana tichiita savanhu kwavo tinoitira imi. Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari. Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.
2 VaKorinde 5:11-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀatinoziʋa kutya kwaShe, tinogombedzera ʋanhu; asi tinoratidzwa heɗu kunaMŋari; ʋuye ɀino ndinoti ɗai ticiratidzwa ʋo pahana dzenyu. Hatiɀirumbidzi ɀe kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuɗa kweɗu, kuti mugone kupindura aʋo ʋanoʋimba neɀinoʋonekwa, ʋasiŋgaʋimbi neɀomŋoyo. Nokuti kana ticipeŋga, takaɗaro nokuɗa kwaMŋari; kana tiri ʋanhu kwaʋo, takaɗaro nokuɗa kwenyu. Nokuti ruɗo rwaKristu runotimanikidza; ɀatinoziʋa cinhu ici kuti mumŋe wakafira ʋose, ɀino ʋose ʋakafa; ɀino iye wakafira ʋose, kuti aʋo ʋanorarama ʋarege kuzoɀiraramira iʋo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuɗa kwaʋo. Naiɀoɀo, kubvira ɀino hatitoŋgoziʋi munhu panyama; ʋuye kunyaŋge takaziʋa Kristu panyama, kubvira ɀino haticamuziʋi saiɀoɀo. Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa. Asi ɀinhu ɀose ɀakabva kunaMŋari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa. Naiɀoɀo tiri nhume nokuɗa kwaKristu, Mŋari saaneŋge acikumbira ɀikuru nesu; tinokumbira nokuɗa kwaKristu, ticiti: Yananiswai naMŋari. Uyo, wakaŋga asiŋgaziʋi ɀiʋi, wakamuita kuti aʋe ɀiʋi nokuɗa kweɗu; kuti isu tiʋe kururama kwaMŋari maari.
2 VaKorinde 5:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)