Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 5

5
1Isu tinoziva wani kuti kana muviri uno womusasa wapasi pano watigere wapazwa, tinowana imba inobva kuna Mwari isina kuvakwa namaoko avanhu inogara nokusingaperi kudenga. 2Zvino imomu tinotura befu tichisuwira kuti imba yedu yokudenga itifukidze 3kuti taifuka, tirege kuonekwa tisina kufuka. 4Nokuti patinenge tichiri mumusasa uyu tinotura befu takaremerwa, kwete kuti tipfekenurwe, asi kuti titopfekedzwa, kuti chinofa chinyatsosandurwa noupenyu. 5Iye akatigadzirira izvi ndiMwari akatipa Mweya sorubatso.
6Naizvozvo takatsunga mwoyo nguva dzose. Tinoziva kuti patinenge takaita musha mumuviri wedu, tinenge tichitova kure naTenzi 7nokuti pakufamba kwedu tinotungamirirwa nechitendero, kwete nezvatinoona. 8Takatsunga mwoyo kwazvo zvokuti tinoona zviri nani kuti titosiya musha womumuviri tichindoita musha wedu naTenzi. 9Naizvozvo kunyange tiri pamusha kana kure nawo chatinovavarira kumufadza 10nokuti tose zvedu tinofanira kuuya pamberi pechigaro chokutonga chaKristu kuti munhu wose atambire zvakanaka kana zvakaipa maererano nezvaakaita ari mumuviri.
Basa noupenyu homuparidzi weshoko raMwari
11Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu. 12Uku hakusi kuda kukutaurirai zvatiri zvakare asi kuti muwane chikonzero chokuti mudade nesu kuti mukwanise kupindura avo vanozvikudza pamusana pechimiro chomunhu panze pokuzvikudza nounhu hwomunhu. 13Kana tichiita setinorasa njere, tinozviitira Mwari uye kana tichiita savanhu kwavo tinoitira imi. 14Chikonzero chacho ndechokuti rudo rwaKristu ndirwo runotimanikidza kuita zvinhu nokuti zvatakatoona ndezvokuti, munhu mumwechete akafira vanhu vose, naizvozvo vanhu vose vakafawo. 15Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa.
16Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. 17Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. 18Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa 19zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. 20Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari. 21Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Vakorinde 5: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda