Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 1:1-11

2 Vakorinde 1:1-11 SCLB

Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo. Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika. Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu. Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa. Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve. Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa.