Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 1:1-11

2 VaKorinde 1:1-11 SNA2002

Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwechete navatsvene vose vari paAkaya yose: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu. Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo. Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosangana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa. Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa; iye akatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye achatisunungurazve; iye watinotenda kuti acharamba achitisunungura; nemiwo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji.