Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro. Ndikange ndapfiga matenga kuti arege kunayisa mvura kana kuti ndikatuma mhashu kuti dzirozve nyika ino kunyange kutuma denda mukati mavanhu vangu; kana vanhu vanodaidzwa nezita rangu vakazvirereka, vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo, vakasiya nzira dzavo dzakaipa; pakadaro ini ndichavanzwa kudenga uku, ndigovaregerera chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo. Zvino meso angu achange akatarisa, nzeve dzangu dzakanyatsoteerera munamato unoitwa panzvimbo ino. Zvino ndasarudza imba ino ndikaiita kuti iere, kuitira kuti zita rangu rive pairi nokusingapere. Ziso rangu nomwoyo wangu zvichange zviri pairi narini wose.
Verenga chikamu 2 Nhoroondo 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Nhoroondo 7:12-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo