Tenzi, Mwari wamadzibaba avo akatuma-atumazve nhume dzake kwavari neshoko pamusana pokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakaramba vachinyomba nhume dzaMwari vachitozvidza zvavo mashoko ake vachitafurira vaporofita vake kudzamara Tenzi amukira vanhu vake nehasha kusvikira pasisina chokuzvigadziridza nacho. Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake. Midziyo yose yomumba yaMwari mikuru nemidiki noupfumi hwomumba yaTenzi noupfumi hwamambo nehwemachinda ake akakukucha zvose izvozvi akaenda nazvo kuBhabhironi. Vakapisa imba yaTenzi vakapazira pasi rusvingo rweJerusaremu vakapisa mizinda chaiyo yose yedzimba vachiparadza midziyo yose yakakosha yaivamo. Akatapa vakanga vapunyuka mapakatwa vakabva vava varanda kwaari iye navanakomana vake kusvikira pakazomirawo umambo hwokuPezhiya. Nyika yakambofara kuwana maSabata okutombozororawo zvayo nguva yose iyoyo yamakanga munyika makati hwa musina munhu kusvikira makore makumi manomwe akwana kuzadzikisa shoko raTenzi rakataurwa nomuromo waJeremiya. Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti, “Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu maJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wavanhu vake vose zvavo, Tenzi, Mwari wake ngaave naye akwireko.”
Verenga chikamu 2 Nhoroondo 36
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Nhoroondo 36:15-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo