2 Makoronike 36:15-23
2 Makoronike 36:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa. Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari. Akatakura midziyo yose yaiva mutemberi yaMwari akaenda nayo kuBhabhironi, zvose zvikuru nezvidiki nepfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yaMambo namachinda ake. Vakapisa temberi yaMwari vakaputsa rusvingo rweJerusarema; vakapisa mizinda yose uye vakaparadza zvose zvaikosha imomo. Akatakura vose vakanga vasara muutapwa avo vakanga vapunyuka kubva pamunondo uye vakava varanda vake nevevanakomana vake kusvikira pakutanga umambo hwePezhia kutonga. Nyika yakava namaSabata ayo ezororo; panguva yose yokuparadzwa kwayo yakazorora, kusvikira makore makumi manomwe apera kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe. Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuitira kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe, Jehovha akasunda mwoyo waSirasi mambo wePezhia kuti aparadzire kuumambo hwake hwose uye kuti anyore achizivisa kuti: “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia: “ ‘Jehovha Mwari wedenga, andipa umambo hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake vari pakati penyu, Jehovha Mwari wake ave naye, uye ngaaende ikoko.’ ”
2 Makoronike 36:15-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa. Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake. Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nepfuma yeimba yaJehovha, nepfuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi. Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe uchibatwa navaPeresia; kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe. Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti, “Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, ‘Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. “ ‘Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.’ ”
2 Makoronike 36:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi, Mwari wamadzibaba avo akatuma-atumazve nhume dzake kwavari neshoko pamusana pokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakaramba vachinyomba nhume dzaMwari vachitozvidza zvavo mashoko ake vachitafurira vaporofita vake kudzamara Tenzi amukira vanhu vake nehasha kusvikira pasisina chokuzvigadziridza nacho. Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake. Midziyo yose yomumba yaMwari mikuru nemidiki noupfumi hwomumba yaTenzi noupfumi hwamambo nehwemachinda ake akakukucha zvose izvozvi akaenda nazvo kuBhabhironi. Vakapisa imba yaTenzi vakapazira pasi rusvingo rweJerusaremu vakapisa mizinda chaiyo yose yedzimba vachiparadza midziyo yose yakakosha yaivamo. Akatapa vakanga vapunyuka mapakatwa vakabva vava varanda kwaari iye navanakomana vake kusvikira pakazomirawo umambo hwokuPezhiya. Nyika yakambofara kuwana maSabata okutombozororawo zvayo nguva yose iyoyo yamakanga munyika makati hwa musina munhu kusvikira makore makumi manomwe akwana kuzadzikisa shoko raTenzi rakataurwa nomuromo waJeremiya. Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti, “Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu maJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wavanhu vake vose zvavo, Tenzi, Mwari wake ngaave naye akwireko.”
2 Makoronike 36:15-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo akatuma mashoko kwaʋari nenhume dzake, acifumira maŋgwanani acituma; nokuti wakaŋga anetsitsi naʋanhu ʋake ʋuye nenɀimbo yake; asi ʋakaseka nhume dzaMŋari, ʋakaɀidza mashoko ake, ʋakaɗaɗira ʋaprofita ʋake, kuȿikira Jehova atsamŋira ʋanhu ʋake, kuȿikira ʋasicagoni kurapxa. Saka wakaʋuyisa mambo waʋaKardea kwaʋari, akaʋuraya majaya aʋo nomunondo paimba yaʋo tȿene; haana‐kunzwira tsitsi kunyaŋge jaya, kana musikana, kana mutana, kana wakacena vudzi; wakaʋaisa ʋose muruʋoko rwake. Nhumbi dzose ʋo dzeimba yaMŋari, huru neɗuku, nefuma yeimba yaJehova, nefuma yamambo neyamacinda ake, wakaɀiisa ɀose Babironi. Ʋakapisa imba yaMŋari, ʋakaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, ʋakapisa dzimba dzose dzoʋushe dzaro nomŋoto, ʋakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. Aʋo ʋakaŋga ʋapukunyuka pamunondo, wakaenda naʋo Babironi; ʋakandoʋa ʋaranda ʋake naʋaʋanakomana ʋake kuȿikira ʋushe ʋuciɓatwa naʋaPersia; kuti shoko raJehova, rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia, riitike; kuȿikira nyika yafarira masaɓata ayo, nokuti paŋguʋa yose yokuparadzwa kwayo yakaceŋgeta masaɓata, ikaȿitsa makore anamakumi manomŋe. Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, aciti: Ɀanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehova Mŋari wokuɗeŋga wakandipa ʋushe bgose bgenyika, akandiraira kuti ndimuʋakire imba paJerusarema riri paJuda. Aninani uri’po pakati penyu waʋanhu ʋake, Jehova Mŋari wake ŋgaaʋe naye, ŋgaakwire hake’ko.
2 Makoronike 36:15-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)