Mushure mezviito zvakatendeka kudai Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa Judha akakomba maguta etsvingo aine pfungwa yokuakurira kuti aaite ake. Pakaona Hezekiya kuti Senakeribhu akanga auya achida kuzorwisa Jerusaremu, akarangana namakurukota ake navarume vokwake, magamba okurwa hondo kuti vamise mvura yezvisipiti zvaiva kunze kweguta vakamubatsira. Vanhu vazhinji kwazvo vakaungana vakamisa zvisipiti zvose nekakova kaiyerera nomunyika umu vachiti, “Iwo madzimambo eAsiria angasvikowanirei paine mvura yakawanda kudai?” Hezekiya akatsunga mwoyo akavakiridza rusvingo rwose rwakanga rwapazika pamusoro pedzinharire akapasimudza. Kunze kwarwo akavaka rumwe rusvingo akabva asimbisa Chimudhuri cheMavhu chiya chomuguta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvehondo nenhoo zvakawanda kwazvo. Akasarudza vakuru vakuru vokuhondo akavakokorodzera kwaari panhandare yepasuo guru reguta iri akataura navo zvakavafadza mumwoyo achiti, “Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye. Simba raanaro isimba ravanhu asi watinaye isu ndiTenzi, Mwari wedu wokutibatsira nokutirwira hondo dzedu.” Vanhu vakasimbaradzwa mwoyo nemazwi aHezekiya mambo wokwaJudha. Mushure mezvizvi, Senakeribhu mambo weAsiria ainge akakomba guta reRakishi nehondo yake yose, akatumira makurukota ake kuna Hezekiya mambo wokwaJudha nokuvanhu vose vokwaJudha vaiva muJerusaremu achiti, “Senakeribhu mambo weAsiria ati, ‘Unoinzwa neiko chaicho chaungamire nacho pakukombwa kweJerusaremu uku?’ Hakusi kufurirwa zvenyu here naHezekiya kwamuri kuitwa uku kuti akuurayisei zvenyu nenzara nenyota achikutii, ‘Tenzi, Mwari wedu achatinunura mumaoko amambo weAsiria?’ Haasiye here Hezekiya mumwecheteyo akabvisa nzvimbo dzake dzakatunhumara dzokuteurira akatemera Judha neJerusaremu chirevo chokuti, ‘Pamberi peatari imwechete iyoyi iyi ndopamava kufanira kuzopfugamira nokupisira zvibayiro zvenyu pairi iyoyi iyi?’ Hamuzive here zvakaitwa neni nemadzibaba angu kumarudzi ose edzimwe nyika? Vamwari vamarudzi acho enyika idzodzo vakanga vachimbokwanisa here kununura nyika dzavo mumaoko angu? Pana vamwari vemarudzi iwayo akanyatsoparadzwa nemadzibaba angu, ndoupi akakwanisa kununura vanhu vake mumaoko mangu zvokuti Mwari wenyu angazokwanisawo kutokununurai mumaoko angu? Saka zvino regai kunyengedzwa kana kufurirwa naHezekiya kudai. Regai kuvimba naye nokuti hakuna mwari worumwe rudzi rwevanhu kana weimwe nyika ipi zvayo akagona kununura vanhu vake mumaoko angu kana mumaoko emadzibaba angu. Ndoda, kutozoti iye Mwari wenyu pakepowo, ndiye angazokununurai iyeyo mumaoko angu?” Makurukota ake akatopfuura ipapo kutafurira Tenzi Mwari nomuranda wake Hezekiya. Iye akatonyora tsamba dzokushora Tenzi, Mwari weIsiraeri achimutafurira achiti, “Sezvakangoitawo vamwari vevanhu vedzimwe nyika vasina kugona kununura vanhu vavo mumaoko mangu ndozvimwechetezvo naMwari waHezekiya haagone kununura vanhu vake mumaoko mangu.” Vakazhamba nomutauro wechiJudha kuvanhu vomuJerusaremu vakanga vari parusvingo kuvatyisidzira nokuvapinza mweya wokutya kuitira kuti vatore guta iroro variite ravo. Vakataura nezvaMwari weJerusaremu samatauriro avaingaitewo zvavo nezvevamwari vamarudzi evanhu vepasi pano vokugadzirwa zvavo namaoko avanhu. Mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanamata naizvozvi vachitsvitsa chichemo ichocho kumatenga. Tenzi akatuma mutumwa akauraya magamba okurwa hondo navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vokuhondo vose kumatendhe amambo weAsiria. Naizvozvo akadzokera kunyika kwake adonha uso nokunyara. Paakapinda mumba yamwari wake vana vake chaivo vokubereka vakabva vamuuraira imomo nebakatwa. Tenzi akanunura Hezekiya navagari vomuJerusaremu mumaoko aSenakeribhu mambo weAsiria uye mumaoko evavengi vake vose akavapa vamwe kumativi ose. Vazhinji vakaunza zvipo kuna Tenzi kuJerusaremu nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvokuti akaremekedzwa pane marudzi ose mushure maizvozvo.
Verenga chikamu 2 Nhoroondo 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Nhoroondo 32:1-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo