Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 32:1-23

2 Makoronike 32:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mushure mezvose zvakaitwa naHezekia nokutendeka kwakadai, Senakeribhi mambo weAsiria akauya akapamba Judha. Akakomba maguta aiva namasvingo achifunga kuapamba kuti ave ake. Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema, akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira. Hondo huru kwazvo yakaungana, vakavhara zvitubu zvose norukova rwaiyerera ruchipfuura nomunyika iyi. Vakati, “Ko, madzimambo eAsiria angauyirei achizowana mvura zhinji.” Ipapo akashanda nesimba akagadziridza zvikamu zvose zvorusvingo zvakanga zvakoromoka akavaka shongwe parwizi. Akavakazve rumwe rusvingo kunze kwerwakanga rwuripo akasimbisa Miro yaitsigira guta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvakawanda nenhoo. Akagadza vakuru vehondo pamusoro pavanhu akavaunganidza pamberi pake pachivara chepasuo reguta akavakurudzira namashoko aya: “Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro. Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha. Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti: “Zvanzi naSenakeribhi mambo weAsiria: Munozvisimbisa neiko, kuti mungaramba muri muJerusarema rakakombwa? Hezekia paanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva muruoko rwamambo weAsiria,’ ari kukureverai nhema kuti mufe nenzara nenyota. Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’? “Hamuzivi here zvandakaita namadzibaba angu kuvanhu vedzimwe nyika? Vamwari venyika idzodzo vakagona here kununura nyika yavo kubva muruoko rwangu? Ndoupi mwari wenyika dzose dzakaparadzwa namadzibaba angu akagona kuponesa vanhu vake kubva kwandiri? Zvino mwari wenyu angagona sei kukununurai kubva muruoko rwangu? Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!” Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake. Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.” Ipapo vakadaidzira muchiHebheru kuvanhu veJerusarema vakanga vari parusvingo, vachivatyisidzira vachivaita kuti vatye kuti ivo vagopamba guta. Vakataura pamusoro paMwari weJerusarema zvavaiita pamusoro pavamwe vamwari namamwe marudzi enyika, mabasa amaoko avanhu. Mambo Hezekia nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi vakachema mumunyengetero kudenga pamusoro penyaya iyi. Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo. Saka Jehovha akanunura Hezekia navanhu veJerusarema kubva muruoko rwaSenakeribhi mambo weAsiria uye kubva muruoko rwavamwe vose. Akavachengeta kumativi ose. Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.

2 Makoronike 32:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwezvinhu izvi, nokutendeka uku, Shenakeribhi mambo weAsiria akasvika akapinda kwaJudha, akadzika matende kuzorwa namaguta akakombwa namasvingo, achifunga kuzvikundira iwo. Zvino Hezekia akati achiona kuti Shenakeribhi asvika, uye kuti akanga achivavarira kurwa neJerusaremu, akarangana namachinda ake navarume vake vane simba, kuti vadzivire mvura yamatsime akanga ari kunze kweguta; ivo vakamubatsira. Naizvozvo vanhu vazhinji vakaungana, vakadzivira matsime ose norukova rwakanga ruchiyerera napakati penyika iyo, vachiti, “Madzimambo eAsiria achasvikireiko, akawana mvura zhinji?” Iye akatsunga mwoyo, akavaka rusvingo rwose rwanga rwakoromoka, akaruvaka kusvikira pashongwe, norumwe rusvingo rwokunzewo, akasimbisa Miro paguta raDhavhidhi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhoo zhinji. Akagadzawo vakuru vehondo pamusoro pavanhu, akavaunganidza kwaari padare pasuo reguta, akataura nounyoro navo, achiti, “Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye; iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu.” Vanhu vakavimba namashoko aHezekia mambo waJudha. Shure kwaizvozvi Shenakeribhi mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kunavose vakanga vari Jerusaremu, akati, “Zvanzi naShenakeribhi mambo weAsiria, ‘Chinyiko chamunovimba nacho, zvamunorambira paJerusaremu makakombwa?’ Ko Hezekia haazinokukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, zvaanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatirwira paruoko rwamambo weAsiria?’ Haazi iye Hezekia akabvisa matunhu ake akakwirira nearitari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?’ Hamuzivi here zvatakaitira vanhu vose venyika ino, ini namadzibaba angu? Ko vamwari vendudzi dzenyika idzo vakatongagona kurwira nyika yavo paruoko rwangu here? “Ndianiko pakati pavamwari vose vendudzi idzo dzakaparadzwa chose namadzibaba angu, wakatongogona kurwira vanhu vake paruoko rwangu here? Zvino Mwari wenyu achagona kukurwirai paruoko rwangu here? Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?” Varanda vake vakawedzera kushora Jehovha Mwari nomuranda wake Hezekia. Akanyorawo n’wadhi yokudadira nayo Jehovha Mwari waIsiraeri, nokumushora, achiti, “Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekia haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.” Vakadanidzira nezwi guru norurimi rwavaJudha kuvanhu veJerusaremu vakanga vari pamusoro porusvingo, kuvatyisa, nokuvavhundusa, kuti vagokunda guta. Vakataura pamusoro paMwari weJerusaremu, vachimuenzanisa navamwari vavanhu venyika, vakaitwa namaoko avanhu. Zvino mambo Hezekia nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, vakanyengetera nokuda kwechinhu ichi, vakachemera kudenga. Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo. Saizvozvo Jehovha akarwira Hezekia navakanga vagere Jerusaremu paruoko rwaShenakeribhi mambo weAsiria napamaoko avose, akavachengeta pamativi ose. Vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusaremu, nezvinhu zvinokosha kuna Hezekia mambo waJudha; naizvozvo kubva panguva iyo akakudzwa pamberi pendudzi dzose.

2 Makoronike 32:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure mezviito zvakatendeka kudai Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa Judha akakomba maguta etsvingo aine pfungwa yokuakurira kuti aaite ake. Pakaona Hezekiya kuti Senakeribhu akanga auya achida kuzorwisa Jerusaremu, akarangana namakurukota ake navarume vokwake, magamba okurwa hondo kuti vamise mvura yezvisipiti zvaiva kunze kweguta vakamubatsira. Vanhu vazhinji kwazvo vakaungana vakamisa zvisipiti zvose nekakova kaiyerera nomunyika umu vachiti, “Iwo madzimambo eAsiria angasvikowanirei paine mvura yakawanda kudai?” Hezekiya akatsunga mwoyo akavakiridza rusvingo rwose rwakanga rwapazika pamusoro pedzinharire akapasimudza. Kunze kwarwo akavaka rumwe rusvingo akabva asimbisa Chimudhuri cheMavhu chiya chomuguta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvehondo nenhoo zvakawanda kwazvo. Akasarudza vakuru vakuru vokuhondo akavakokorodzera kwaari panhandare yepasuo guru reguta iri akataura navo zvakavafadza mumwoyo achiti, “Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye. Simba raanaro isimba ravanhu asi watinaye isu ndiTenzi, Mwari wedu wokutibatsira nokutirwira hondo dzedu.” Vanhu vakasimbaradzwa mwoyo nemazwi aHezekiya mambo wokwaJudha. Mushure mezvizvi, Senakeribhu mambo weAsiria ainge akakomba guta reRakishi nehondo yake yose, akatumira makurukota ake kuna Hezekiya mambo wokwaJudha nokuvanhu vose vokwaJudha vaiva muJerusaremu achiti, “Senakeribhu mambo weAsiria ati, ‘Unoinzwa neiko chaicho chaungamire nacho pakukombwa kweJerusaremu uku?’ Hakusi kufurirwa zvenyu here naHezekiya kwamuri kuitwa uku kuti akuurayisei zvenyu nenzara nenyota achikutii, ‘Tenzi, Mwari wedu achatinunura mumaoko amambo weAsiria?’ Haasiye here Hezekiya mumwecheteyo akabvisa nzvimbo dzake dzakatunhumara dzokuteurira akatemera Judha neJerusaremu chirevo chokuti, ‘Pamberi peatari imwechete iyoyi iyi ndopamava kufanira kuzopfugamira nokupisira zvibayiro zvenyu pairi iyoyi iyi?’ Hamuzive here zvakaitwa neni nemadzibaba angu kumarudzi ose edzimwe nyika? Vamwari vamarudzi acho enyika idzodzo vakanga vachimbokwanisa here kununura nyika dzavo mumaoko angu? Pana vamwari vemarudzi iwayo akanyatsoparadzwa nemadzibaba angu, ndoupi akakwanisa kununura vanhu vake mumaoko mangu zvokuti Mwari wenyu angazokwanisawo kutokununurai mumaoko angu? Saka zvino regai kunyengedzwa kana kufurirwa naHezekiya kudai. Regai kuvimba naye nokuti hakuna mwari worumwe rudzi rwevanhu kana weimwe nyika ipi zvayo akagona kununura vanhu vake mumaoko angu kana mumaoko emadzibaba angu. Ndoda, kutozoti iye Mwari wenyu pakepowo, ndiye angazokununurai iyeyo mumaoko angu?” Makurukota ake akatopfuura ipapo kutafurira Tenzi Mwari nomuranda wake Hezekiya. Iye akatonyora tsamba dzokushora Tenzi, Mwari weIsiraeri achimutafurira achiti, “Sezvakangoitawo vamwari vevanhu vedzimwe nyika vasina kugona kununura vanhu vavo mumaoko mangu ndozvimwechetezvo naMwari waHezekiya haagone kununura vanhu vake mumaoko mangu.” Vakazhamba nomutauro wechiJudha kuvanhu vomuJerusaremu vakanga vari parusvingo kuvatyisidzira nokuvapinza mweya wokutya kuitira kuti vatore guta iroro variite ravo. Vakataura nezvaMwari weJerusaremu samatauriro avaingaitewo zvavo nezvevamwari vamarudzi evanhu vepasi pano vokugadzirwa zvavo namaoko avanhu. Mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanamata naizvozvi vachitsvitsa chichemo ichocho kumatenga. Tenzi akatuma mutumwa akauraya magamba okurwa hondo navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vokuhondo vose kumatendhe amambo weAsiria. Naizvozvo akadzokera kunyika kwake adonha uso nokunyara. Paakapinda mumba yamwari wake vana vake chaivo vokubereka vakabva vamuuraira imomo nebakatwa. Tenzi akanunura Hezekiya navagari vomuJerusaremu mumaoko aSenakeribhu mambo weAsiria uye mumaoko evavengi vake vose akavapa vamwe kumativi ose. Vazhinji vakaunza zvipo kuna Tenzi kuJerusaremu nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvokuti akaremekedzwa pane marudzi ose mushure maizvozvo.

2 Makoronike 32:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kweɀinhu iɀi, nokutendeka uku, Sanheribi mambo weAsiria wakaȿika akapinda kwaJuda, akadzika matente kuzorwa namaguta akakombga namaȿiŋgo, acifuŋga kuɀikundira iwo. Ɀino Hezekia wakati aciʋona kuti Sanheribi waȿika, ʋuye kuti wakaŋga aciʋaʋarira kurwa neJerusarema, akaraŋgana namacinda ake naʋarume ʋake ʋanesimba, kuti ʋadziʋire mvura yamatsime akaŋga ari kunze kweguta; iʋo ʋakamuɓatsira. Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakadziʋira matsime ose norukoʋa rwakaŋga ruciyerera napakati penyika iyo, ʋaciti: Madzimambo eAsiria acaȿikirei’ko, akawana mvura zhinji? Iye akatsuŋga mŋoyo, akaʋaka ruȿiŋgo rwose rwaŋga rwakoromoka, akaruʋaka kuȿikira pashoŋgwe, norumŋe ruȿiŋgo rwokunze ʋo, akasimbisa Miro paguta raDavidi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhoʋo zhinji. Akagadza ʋo ʋakuru ʋehondo pamsoro paʋanhu, akaʋaʋuŋganidza kwaari paɗare pasuʋo reguta, akataura noʋunyoro naʋo, aciti: Iʋai nesimba, mutsuŋge mŋoyo, regai kutya kana kuvunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi paʋazhinji ʋose ʋaanaʋo; nokuti une’su mukuru kunowaanaye iye; iye unoruʋoko rwenyama, asi une’su ndiJehova Mŋari weɗu, kuzotiɓatsira nokurwa naʋaʋeŋgi ʋeɗu. Ʋanhu ʋakaʋimba namashoko aHezekia mambo waJuda. Shure kwaiɀoɀi Sanheribi mambo weAsiria wakatuma ʋaranda ʋake Jerusarema, (ɀino iye wakaŋga ari pamberi peRakishi, anehondo yake yose) kunaHezekia mambo waJuda, nokuʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari Jerusarema, akati: Ɀanzi naSanheribi mambo weAsiria: Cinyiko camunoʋimba naco, ɀamunorambira paJerusarema makakombga? Ko Hezekia haazino‐kukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, ɀaanoti: Jehova Mŋari weɗu ucatirwira paruʋoko rwamambo weAsiria? Haazi iye Hezekia wakabvisa matunhu ake akakwirira neartari dzake, akaraira Juda neJerusarema, aciti: Munofanira kunamata pamberi peartari imŋe, ʋuye munofanira kupisa ɀinonhuwira ipapo here? Hamuziʋi here ɀatakaitira ʋanhu ʋose ʋenyika ino, ini namadziɓaɓa aŋgu? Ko ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo ʋakatoŋgogona kurwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu here? Ndianiko pakati paʋamŋari ʋose ʋendudzi idzo dzakaparadzwa cose namadziɓaɓa aŋgu, wakatoŋgogona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu here? Ɀino Mŋari wenyu ucagona kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here? Ɀino naiɀoɀo Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai, kana kukukurudzirai nomutoʋo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakunamŋari worudzi rupi norupi, kana ʋushe, wakagona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu naparuʋoko rwamadziɓaɓa aŋgu; ɀikuru sei Mŋari wenyu haŋgakoniwi kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here? Ʋaranda ʋake ʋakawedzera kushoʋora Jehova Mŋari nomuranda wake Hezekia. Akanyora ʋo ŋwadi yokuɗaɗira nayo Jehova Mŋari waIsraeri, nokumushoʋora, aciti: Ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo seɀaʋasina‐kurwira ʋanhu ʋaʋo paruʋoko rwaŋgu, saiɀoɀo ʋo Mŋari waHezekia haaŋgarwiri ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu. Ʋakaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda kuʋanhu ʋeJerusarema ʋakaŋga ʋari pamsoro poruȿiŋgo, kuʋatyisa, nokuʋavundusa, kuti ʋagokunda guta. Ʋakataura pamsoro paMŋari weJerusarema, ʋacimuenzanisa naʋamŋari ʋaʋanhu ʋenyika, ʋakaitwa namaʋoko aʋanhu. Ɀino mambo Hezekia nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, ʋakanyeŋgetera nokuɗa kwacinhu ici, ʋakacemera kuɗeŋga. Ipapo Jehova akatuma mutumŋa wakaparadza ʋose ʋakaŋga ʋanesimba noʋumhare, naʋatuŋgamiriri, naʋakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye wakadzokera kunyika yake acinyara. Ɀino wakati acipinda mumba mamŋari wake, aʋo ʋakaŋga ʋaɓuɗa paciʋuno cake ʋakamuʋurayira’po nomunondo. Saiɀoɀo Jehova wakarwira Hezekia naʋakaŋga ʋagere Jerusarema paruʋoko rwaSanheribi mambo weAsiria napamaʋoko aʋose, akaʋaceŋgeta pamatiʋi ose. Ʋazhinji ʋakaʋuya neɀipo kunaJehova paJerusarema, neɀinhu ɀinokosha kunaHezekia mambo waJuda; naiɀoɀo kubva paŋguʋa iyo wakakudzwa pamberi pendudzi dzose.

2 Makoronike 32:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)