Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 15:1-7

2 Nhoroondo 15:1-7 SCLB

Mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi. Akaenda kundosangana naAsa akati kwaari, “Iwe Asa nemi mose vokwaJudha novokwaBhenjamini imbonditeereraiwo munzwe, Tenzi anemi kana imi muinaye. Mukamutsvaka manomuwana. Asi imi mukamufuratira, anokufuratiraiwo. Kwakamboitika nguva ndefu Isiraeri isina Mwari wechokwadi isina mupristi wokuvadzidzisa isinawo mutemo. Asi pavakanga vava munhamo yavo vakatendeukira kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri vomutsvaka zvino, vakamuwana. Mumazuva iwayo kwakanga kusina rugare zvokuti kufamba chaiko kwakanga kwava nenjodzi nokuti pakava namanyongori asingatauriki muvanhu vose venyika idzodzi. Umharadzi hwakanga hwapinda, rudzi rwakamukirana norudzi, guta richimukirana nerimwe guta pamusana pokuti Mwari aivapinza mumhando nemhando dzenhamo. Asi imi tsungai mwoyo musaregedzere maoko nokuti pabasa renyu iroro, muchapiwa mubayiro.”