2 Makoronike 15:1-7
2 Makoronike 15:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi. Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai. Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro. Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo. Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo. Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana. Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro.”
2 Makoronike 15:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzaria mwanakomana waOdhedhi; akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, “Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.” Zvino nguva huru vaIsiraeri vakanga vasina Mwari wezvokwadi, kana mupristi anodzidzisa, kana murayiro; asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo. Zvino nenguva iyo vaibuda novaipinda vakanga vagere panyika idzo, vaiva pakutambudzika kukuru. Vaiparadzana, rumwe rudzi ruchiparadza rumwe, rimwe guta richiparadza rimwe; nokuti Mwari aivatambudza nenhamo dzose. Asi ivai nesimba, maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.
2 Makoronike 15:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi. Akaenda kundosangana naAsa akati kwaari, “Iwe Asa nemi mose vokwaJudha novokwaBhenjamini imbonditeereraiwo munzwe, Tenzi anemi kana imi muinaye. Mukamutsvaka manomuwana. Asi imi mukamufuratira, anokufuratiraiwo. Kwakamboitika nguva ndefu Isiraeri isina Mwari wechokwadi isina mupristi wokuvadzidzisa isinawo mutemo. Asi pavakanga vava munhamo yavo vakatendeukira kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri vomutsvaka zvino, vakamuwana. Mumazuva iwayo kwakanga kusina rugare zvokuti kufamba chaiko kwakanga kwava nenjodzi nokuti pakava namanyongori asingatauriki muvanhu vose venyika idzodzi. Umharadzi hwakanga hwapinda, rudzi rwakamukirana norudzi, guta richimukirana nerimwe guta pamusana pokuti Mwari aivapinza mumhando nemhando dzenhamo. Asi imi tsungai mwoyo musaregedzere maoko nokuti pabasa renyu iroro, muchapiwa mubayiro.”
2 Makoronike 15:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paAzaria mŋanakomana waOdedi; akaɓuɗa kundosoŋgana naAsa, akati kwaari: Nditererei imi, Asa naʋaJuda naʋaBenjamini mose; Jehova unemi, kana imi munaye; kana mukamutȿaka, ucawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye ucakurashai ʋo. Ɀino ŋguʋa huru ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasinaMŋari waɀokwaɗi, kana muprista unodzidzisa, kana murairo; asi ʋakati ʋacitendeʋukira kunaJehova Mŋari waIsraeri pakutambudzika kwaʋo, nokumutȿaka, iye akawanikwa naʋo. Ɀino neŋguʋa iyo waiɓuɗa nowaipinda ʋakaŋga ʋasinorugare, asi ʋanhu ʋose, ʋakaŋga ʋagere panyika idzo, ʋaiʋa pakutambudzika kukuru. Ʋaiparadzana, rumŋe rudzi ruciparadza rumŋe, rimŋe guta riciparadza rimŋe; nokuti Mŋari waiʋatambudza nenhamo dzose. Asi iʋai nesimba, maʋoko enyu ŋgaarege kushaiwa simba; nokuti ɓasa renyu ricapiwa muɓairo.
2 Makoronike 15:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)