Pavakadzika kubva kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuya, vapinda Muguta, Samueri akataura naSauro ari padenga remba. Vakafumomuka mambakwedza Samueri akadaidza Sauro padenga remba paya achiti, “Chimuka ndikuperekedze.” Sauro akamuka vakabva vapinda munzira vose vari vaviri. Vachingunofamba kudaro voda kusvika kwokupedzesera kweguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda ambofanotungamira zvake. Kana achinge atungamira iwe wombomira pano, kwechinguva ndigokutaurira shoko raMwari.”
Verenga chikamu 1 Samueri 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 9:25-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo