Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25:4-35

1 Samueri 25:4-35 SCLB

Pakanga Dhavhidhi ari kurenje akanzwa zvichinzi Nabhari ari kuveura hwai dzake kuKarimeri. Akatuma majaya gumi achiti, “Endai kuKarimeri mundondikwazisirawo Nabhari. Muti kwaari zvanzi, ‘Rugare ngaruve nemi. Zvanzi kufara kwamuri imi mose nemhuri yenyu. Makadiiko nezvose zvamunazvo?’ Ndiri kunzwa kuti muri mukuveura zvipfuwo zvenyu. Zvino vafudzi venyu vakanga vanesu kuno, asi hapana chakaipa chatakaita kwavari. Hapana chavakarasikirwa nacho nguva yose iyi yavanga vari kuKarimeri. Kana mukabvunza zvenyu varanda venyu, vanokuudzaiwo izvozvi. Naizvozvo dai mukaitira zvenyu majaya angu ayo tsiye nyoro zvatauyawo kuno zuva guru rakadai. Dai mukawanawo zvimwe zvamunazvo zvamungape varanda venyu neni mwana wenyu Dhavhidhi.” Kuzoti majaya aDhavhidhi asvikako akapira kuna Nabhari zvose izvi achiti tatumwa naDhavhidhi, ndokumira zvavo. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi iyeyo ndiani? Chii mwana waJese iyeyo? Kune varanda vazhinji kwazvo mazuva ano vari kutiza vatenzi vavo. Nditore chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yandabayira vaveuri vangu, ndichipa zvangu kuvanhu vandisingamboziva kana nokwavanobva here?” Majaya aDhavhidhi akadzokera zvawo akasvikotaurira Dhavhidhi zvose izvozvi. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Varume, munhu wose ngaapakate bakatwa rake!” Munhu wose akapakata bakatwa rake, Dhavhidhi akapakatawo rake. Mazana mana avanhu akaenda naDhavhidhi, kukasara mazana maviri vakachengeta zvinhu. Asi mumwe muranda akaruma nzeve mudzimai waNabhari, Abhigairi kuti, “Dhavhidhi akatuma nhumwa dzakasvika kuna tenzi wedu dzichibva kurenje kuzovakwazisa, asi ivo vakadzijinyura. Asi mufunge zvenyuka, vanhu ivava vakatiitira zvakanaka kwazvo. Havana chakaipa chavakaita kwatiri. Hapana chatakarasikirwa nacho kumafuro nguva yose iyi yatakanga tiinavo. Vakanga vari rusvingo chairwo kutichengetedza, siku nesikati nguva yose iyi zvayo yatanga tichifudza hwai. Zvino dai mukambopafungawo zvenyu apa muone zvokuita, nokuti tenzi wedu atova munyatwa chaiyo izvozvi pamwechete navanhu vose vemhuri yake. Asi tenzi wedu uyu munhu ane mwoyo wakaipa kwazvo haatiuriki.” Abhigairi akabva aita chimbichimbi kutora mazana maviri ezvingwa nezvigubhu zviviri zvewaini nehwai shanu dzakavhiyiwa, namabhagidhi maviri embesanwa dzakakangwa, nezana rezvisumbu zvamagirepisi akaomeswa namazana maviri ezvambwa zvamakuyu, akazvitakudza pamadhongi. Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake. Paaifamba kudaro ari padhongi rake, akati pindei mumupata wegomo, onei Dhavhidhi navanhu vake vari kuuya vakananga kwaari, ndokusangana navo. Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai. Kana ramangwanani rikabuda kuchine wechirume wemhuri yake wandinenge ndasiya ari mupenyu, iyeni Dhavhidhi, Tenzi ngaandione.” Abhigairi paakaona Dhavhidhi akabva akurumidza kuburuka padhongi rake akapfugamira Dhavhidhi akatsikitsira uso akamukotamira. Akasvikoti bvucha mumakumbo aDhavhidhi ndokuti, “Changamire, mhosva iyi ngaive zvayo yangu. Ndibvumireiwo zvangu ini muranda wenyu kumbotaurawo nemi mumbonzwawo zvandichakurondedzerai ini muranda wenyu. Ndapota changamire, regai zvenyu kuita hanya nezvomuipi uyo Nabhari, vakamugona wani vakamutumidza zita rokuti Nabhari, rinoreva kuti benzi, nokuti iyewo ibenzi romunhu. Chete, ini muranda wenyu pachezvangu, handina kunge ndamboona varume ivavo vamakatuma changamire. “Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari. Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu. Ndateterera zvangu ndiregerereiwo kukutadzirai kwandakaita ini muranda wenyu, changamire, nokuti Tenzi achanyatsoita kuti umambo hudzike midzi mumba menyu, nokuti muri kurwa hondo dzaTenzi. Hapana chakaipa chichawanikwa muupenyu hwenyu. Kana munhu akada kukurondai achida kukuurayai, upenyu hwenyu huchasungirirwa pachisote chavapenyu pahunochengetwa naTenzi Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera sedombo rechimviriri. Kana Tenzi achingewo azoita zvakanaka zvose zvaakatsidza nezvenyu imi changamire akakuitai mutongi weIsiraeri, imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.” Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akutuma kuti usangane neni nhasi. Mwari ngaakukomborere nepfungwa yako yokugona kunzwisisa kudai. Mwari ngaakukomberere nokundidzora kwawandiita nhasi ndikarega kupara mhosva yokudeura ropa kana kuzvitsivira ndoga. Ndinopika naTenzi, Mwari waIsiraeri mupenyu aita kuti ndirege kukukuvadza, ndichiti dai wanga usina kukurumidza kuchingurana neni, chokwadi mangwana kwaNabhari kwaifuma kusisina kana munhu wechirume mumwechete zvake!” Dhavhidhi akagamuchira zvakanga zvauya nomukadzi uyu kwaari, akamuti, “Chidzokera zvako kumusha kwako zvawataura ndazvinzwa uye ndichaita zvawareva.”