Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25:33-42

1 Samueri 25:33-42 SCLB

Mwari ngaakukomborere nepfungwa yako yokugona kunzwisisa kudai. Mwari ngaakukomberere nokundidzora kwawandiita nhasi ndikarega kupara mhosva yokudeura ropa kana kuzvitsivira ndoga. Ndinopika naTenzi, Mwari waIsiraeri mupenyu aita kuti ndirege kukukuvadza, ndichiti dai wanga usina kukurumidza kuchingurana neni, chokwadi mangwana kwaNabhari kwaifuma kusisina kana munhu wechirume mumwechete zvake!” Dhavhidhi akagamuchira zvakanga zvauya nomukadzi uyu kwaari, akamuti, “Chidzokera zvako kumusha kwako zvawataura ndazvinzwa uye ndichaita zvawareva.” Abhigairi akasvika kuna Nabhari wanei Nabhari ari pakati pamabiko mumba make, aitenge mabiko amambo chaiwo. Izvozvo Nabhari akanga ofara kwazvo apera zvake kudhakwa. Saka haana kana kumutaurira chinhu kusvikira kwaedza. Mangwanani acho waini yapera muna Nabhari, mudzimai wake akamutaurira izvozvi izvi akarohwa nehana akaoma kuti papata nokutya. Kuzoti kwangoti perei mazuva anenge gumi, Tenzi akazovinga Nabhari nedenda, akabva afa. Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari afa akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi anditsivira Nabhari kutsvinya kwaakandiitira, akaitawo kuti ini muranda wake ndirege kuita chakaipa. Tenzi akaita kuti Nabhari apfukirwe nouipi hwake.” Dhavhidhi akabva atumira vanhu kundotaurirana naAbhigairi kuti ave mukadzi wake. Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Abhigairi kuKarimeri vakati kwaari, “Dhavhidhi atitumira kwamuri kuti tizokutorai muve zvenyu mukadzi wake.” Akasimuka akakotama ndokutyora uso akati, “Aiwa, regai zvenyu ndichiva wokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” Abhigairi akakurumidza kusimuka ndokuti padhongi rake karakata ndokuenda oteverana nenhumwa dzaDhavhidhi dziya aina vasikana vashanu vokumuperekedza.