Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25:33-42

1 Samueri 25:33-42 SNA2002

nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu. Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana kwoedza nomwana mumwe womukomana.” Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, “Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera izwi rako, ndakunzwira tsitsi.” Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo; mwoyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza. Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, mwoyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe. Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa. Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, “Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake. Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, “Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake.” Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, “Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu.” Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navanasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake.