Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani namakurukota ake ose kuti vanofanira kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani, mwana wake aifarira Dhavhidhi kwazvo. Jonatani akanyevera Dhavhidhi kuti, “Baba vangu, Sauro vanoda kukuuraya. Saka iwe uzozvichenjerera mangwanani undohwanda pamwe pausingaonekwe, ugarepo. Ini ndichabuda ndigoenda kundomira zvangu nababa wangu mumunda maunenge uri. Ndichakurukura nababa vangu nezvako, kana paine chandinenge ndanzwa ndichakutaurira.”
Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo. Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?”
Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.” Jonatani akadaidza Dhavhidhi akamutaurira zvose izvozvi. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, Dhavhidhi akamushandira sezvaasiita.
Kwakamuka zvakare imwe hondo, Dhavhidhi akaenda akandorwa navaFirisitia akauraya vakawanda kwazvo pakati pavo vamwe vakadzvamuka kumutiza.
Mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi wakauya pana Sauro agere mumba make pfumo rake riri mumaoko, Dhavhidhi achiridza zvake dimbwa. Sauro akati regai ndibayirire Dhavhidhi kumadziro nepfumo. Asi Dhavhidhi akanzvenga Sauro akandobayirira pfumo rake kumadziro, Dhavhidhi akatiza akapunyuka.
Sauro akatumira vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vamugarire vazomuuraya mangwanani acho. Zvino mukadzi waDhavhdhi, Mikari akamubayira zani achiti, “Kana ukarega kuzviponesa zvako usiku hwanhasi, mangwana uri kuurayiwa.” Mikari akaburitsa Dhavhidhi napahwindo ndokubva atiza akapunyuka.
Mikari akatora chifananidzo akachirarisa pamubhedha akaisa chichira chemvere dzembudzi kumusoro kwacho akachifugidza nejira. Sauro paakatuma vanhu kuzobata Dhavhidhi Mikari akati, “Ari kurwara.” Sauro akadzosera vanhu ivava kundoona Dhavhidhi achiti, “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha ipapo, ndimuuraye.”
Kuzoti vanhu vaya vasvikako wanei chifananidzo ndochiri pamubhedha nechichira chemvere dzembudzi chiri kumusoro. Sauro akabvunza Mikari kuti, “Wandinyengedzerei kudai kurega zvako muvengi wangu achipunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, “Aiwa, iye akanditi, ‘Chitondirega ndiende, ungapafe pano.’ ”