Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 19:1-17

1 Samueri 19:1-17 SNA2002

Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi. Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, “Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande; ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.” Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, “Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo; nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?” Sauro akaterera izwi raJonatani, Sauro akapika akati, “NaJehovha mupenyu, haangaurawi!” Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga. Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake. Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake. Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo. Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, “Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.” Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napawindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka. Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, “Unorwara.” Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, “Uyai naye kwandiri ari panhoo, ndimuuraye.” Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhoo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. Sauro akati kuna Mikari, “Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, “Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?”