Akamirira Samueri mazuva manomwe, nokuti ndiyo nguva yakanga yatarwa naSamueri. Asi Samueri haana kunge asvika kuGirigari. Vanhuwo vakanga voita rumwe rumwe kusiya Sauro. Sauro ndokuti, “Uyai nechibayiro chomupiro wokupisa pano pandiri pamwechete nechibayiro chemipiro yokuwadzana.” Sauro akabva apira mupiro wokupisa. Achangoti pedzei kupira mupiro wokupisa iwoyo, Samueri ndiye vhu. Sauro akaenda kundomuchingura nokumukwazisa. Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi, ndakati, ‘Zvino vaFirisitia vachadzamara vondivinga kuGirigari kuno ndisati ndakumbira rubatsiro kuna Tenzi,’ ndozvakandisvitsa pakupira mupiro wokupisa.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.”
Verenga chikamu 1 Samueri 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 13:8-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo