Akamira mazuva manomwe akanga atarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu vakatanga kupararira vachimusiya. Zvino Sauro akati, “Uyai kwandiri nechipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Akapisa chipiriso chinopiswa. Zvino wakati achangopedza kupisa chipiriso chinopiswa, Samueri akasvika; Sauro akabuda kundosangana naye, kuti amukwazise. Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akati, “Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi, saka ndikati, ‘Zvino vaFirisitia vachaburuka kuzondivamba paGirigari ini ndichigere kukumbira Jehovha kundibatsira;’ naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu.” Samueri akati kuna Sauro, “Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi. “Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.”
Verenga chikamu 1 Samueri 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 13:8-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo