Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 1:8-20

1 Samueri 1:8-20 SCLB

Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?” Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi. Hana akanga achitoshungurudzwa kwazvo mumwoyo achinamata kuna Tenzi achichema zvinosiririsa. Akapika mhiko achiti, “Tenzi Samasimbaose! Kana imi mukanyatsoongorora zvenyu kutambura kwandiri kuita ini muranda wenyu, uye mukandiyeuka mukarega kundikanganwa, mukandipawo zvenyu mwana mukomana, ndinomupa kwamuri imi Tenzi upenyu hwake hwose, haazombofa akaveurwa musoro.” Paainamata kuna Tenzi kwenguva ndefu kudaro Eri akaongorora muromo wake. Hana akanga achinamata nechomumwoyo, miromo yake ndiyo chete yaaimengenyedza, izwi rake risinganzwiki, nezvo Eri akabva afunga kuti Hana araradza. Eri ndokumuti, “Unosvikira rini wakararadza kudai? Siyana newaini yako iyi.” Asi Hana akapindura achiti, “Aiwa changamire. Ini ndiri mudzimai ari kushungurudzika kwazvo mumwoyo. Handina kana kunwa waini kunyange doro zvaro. Chiripo ndechokuti ndanga ndichidurura nhuna dzomwoyo wangu kuna Tenzi. Musafungire kuti muranda wenyu ndiri mukadzi asina maturo nokuti ndanga ndichigurukuta zvinondinetsa nokusvoteswa kwandinoitwa.” Eri akamupindura achiti, “Enda zvako norugare. Mwari wavaIsiraeri ngaakupe zvawamukumbira.” Hana akati, “Dai imi mukaramba muchindiyeukawo ini muranda wenyu.” Mudzimai uyu akaenda zvake akandodya, uso hwake hwakanga hwatosununguka? Akafumomuka mangwanani akanamata ari pana Tenzi, ndokuzodzokera zvake kumusha kwake kuRama. Erikana akazogara nomudzimai wake Hana, Tenzi ndokubva ayeuka Hana. Nokufamba kwenguva Hana vakabata pamuviri akasununguka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samueri nokuti akati, “Ndakamukumbira kuna Tenzi.”

Verenga chikamu 1 Samueri 1