Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 1:8-20

1 Samueri 1:8-20 SNA2002

Zvino murume wake Erikana akati kwaari, “Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? Mwoyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?” Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kunwa. Zvino Eri mupristi wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha. Zvino Hana wakanga ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo. Akapika mhiko, akati, “Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika kwomurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakanganwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.” Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake. Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumwoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi izwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini. Eri akati kwaari, “Ucharamba wakabatwa kusvikira riniko? Rasha waini yako.” Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kunwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha. “Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nokuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kwokuchema kwangu kukuru nokutambudzika kwangu.” Ipapo Eri akamupindura, akati, “Enda hako norugare; Mwari waIsiraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari.” Iye akati, “Murandakadzi wenyu ngaanzwirwe tsitsi nemi.” Naizvozvo mukadzi akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka. Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira. Nguva yakati yapfuura, Hana akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.”

Verenga chikamu 1 Samueri 1