Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu. Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya–feya nezvoruponeso irworwu. Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri asi vaishandira imi muzvinhu zvamakataurirwa navaiparidza kwamuri Shoko Rakanaka nokuna Mweya Mutsvene akatumwa kubva kudenga. Vatumwa vaitosuwira kuona zvinhu izvozvo. Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu.
Verenga chikamu 1 Pita 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Pita 1:3-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo