Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 1:1-25

1 Pita 1:1-25 SCLB

Ndini Pita mupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi vatorwa venguva yoKutekeshera kunyika dzePondusi neGaratia neKapaudhosia neAsia nokuBhetinia imi makasarudzwa mukanzi naMwari Baba mururamiswe naMweya kuitira kuti muteerere Jesu Kristu uye kuti musaswe neropa rake. Dai mangowaniswa chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu. Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya–feya nezvoruponeso irworwu. Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishandiri asi vaishandira imi muzvinhu zvamakataurirwa navaiparidza kwamuri Shoko Rakanaka nokuna Mweya Mutsvene akatumwa kubva kudenga. Vatumwa vaitosuwira kuona zvinhu izvozvo. Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu. Savana vanoteerera musatevedzere mapangiro enyu amaiva nawo pamakanga musina ruzivo. Pamusana pokuti anokudaidzai mutsvene, imiwo ivaiwo vatsvene muzviito zvenyu zvose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene.” Mukamudana saBaba, iye anotonga munhu wose pasina rusaruro maererano nezviito zvake, ivai nokumuremekedza kukuru pakugara kwenyu panguva yenyu youtorwa. Imi munoziva kuti makadzikinurwa kunzira dzisina maturo dzamakawana kumadzibaba enyu, kwete nezvinhu zvinoparara sesirivha kana ndarama asi neropa rinokosha raKristu serehwayana isina chinoshoreka kana kavara. Akasarudzwa pasi pasati pavapo, akazoratidzwa pokupedzisira kwenguva kuri kuitira imi. Nokuna iye, munechivimbo muna Mwari akamumutsa kuvafi akamupa mbiri kuti chitendero chenyu nechitarisiro zvive muna Mwari. Zvino zvamakachenesa mweya yenyu nokuteerera kwenyu chokwadi kuti muve norudo rwechokwadi kune vehama; idanai zvechokwadi nemwoyo wose. Makazvarwa patsva kwete nembeu dzinofa asi dzisingafi nokuShoko benyu raMwari risingafi rinogara nokusingaperi nokuti, “Vanhu vose uswa mbiri yavo yakaita samaruva omusango uswa hunouna,” ruva rinodonha asi Shoko raTenzi rinogara nokusingaperi. Shoko iroro ndiro Shoko Rakanaka rakaparidzwa kwamuri.

Verenga chikamu 1 Pita 1