Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 3:5-14

1 Madzimambo 3:5-14 SCLB

Kwakareko kuGibheoni Tenzi akazviratidza kuna Soromoni mukurota usiku. Mwari akati, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akati, “Makaitira baba wangu Dhavhidhi muranda wenyu mwoyochena mukuru kwazvo pamusana pokuti vaiva munhu akatendeka kwamuri akarurama ari pachokwadi mwoyo wake uri kwamuri. Mwoyochena wenyu mukuru kwazvo makaramba uinaye mukamupawo mwanakomana wokugara pachigaro choumambo nhasi uno. Zvino Tenzi Mwari wangu, imi ndimi makaita kuti ini muranda wenyu ndive mambo panzvimbo pababa wangu Dhavhidhi, asi ini ndiri mwana muduku handigoni kutungamira. Ini muranda wenyu ndiri pakati pavanhu venyu vamakasarudza rudzi rukuru kwazvo runa vanhu vasingaverengeki kana kuverengetwa. Dai mukachindipawo ini muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti ndiwane matongero vanhu venyu ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai?” Tenzi akafadzwa nezvakanga zvakumbirwa naSoromoni. Mwari akati kwaari, “Pamusana pokuti wakumbira izvi ukarega kuzvikumbirira upenyu urefu kana upfumi kana kukumbira kuti vavengi vako vafe, ukazvikumbirira kunzwisisa kuti uwane matongero, chinzwa zvawakumbira ndozvandava kukuitira. Ndinokupa ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvokuti hapana kumboita mumwe akaita sewe kana kuzovazve nomumwe akaita sewe. Uye ndinokupawo zvimwe zvausina kukumbira zviviri izvi zvinoti upfumi nechiremera zvokuti hapana mumwe mambo angazomboenzaniswawo newe upenyu hwako hwose. Kana ukafamba mumakwara angu ukachengeta mirao nemitemo yangu sezvaiita baba wako Dhavhidhi ndichakupa upenyu urefu.”