Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 3:5-14

1 Madzimambo 3:5-14 SNA2002

Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGibheoni nokurota usiku. Mwari akati, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akati, “Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nezvokwadi, nokururama, nomwoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi. Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo. Muranda wenyu uri pakati pavanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwavo. Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?” Zvino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi. Ipapo Mwari akati kwaari, “Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira pfuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka; tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa mwoyo wakangwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe. “Ndakupawo zvausina kukumbira, pfuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi mumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose. “Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.”