Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 3:16-28

1 Madzimambo 3:16-28 SCLB

Pfambi mbiri dzakauya kuna mambo dzikamira paari. Imwe yadzo yakati, “Changamire ini nomukadzi uyu tigere tose mumba imwechete. Ndakasununguka mwana iye aineni mumba imomo. Mazuva matatu akati apera ini ndasununguka, mukadzi uyu akasunungukawo. Takanga tiri toga pauviri hwedu mumba imomo musina mumwe. Mukadzi uyu mwana wake mukomana akafa usiku nokuti iye akamutsitsirira. Iye akamuka pakati pousiku ndokutora mwana wangu mukomana parutivi pangu, ini muranda wenyu ndiri kutsi kwehope akamurarisa mumaoko ake. Akararisa mwana wake mukomana akafa parutivi pangu. Ndakati mukei mangwanani kuti ndichiyamwisa mwana wangu wanei akafa. Asi ndakazonyatsomutarisa kwaedza ndikaona kuti haasiri iye mwana wangu wandakabereka.” Asi mumwewo wacho akabva ati, “Aiwa, mupenyu uyu ndiye mwana wangu, wako ndiye wafa.” Mumwe ndokuti, “Kwete kani wako ndiye wafa, wangu mupenyu.” Ndokukakavadzana kwavaiita pana mambo. Mambo akati, “Uyu ari kuti, ‘Mwana wangu mupenyu wako ndiye wafa,’ uyuwo achiti, ‘Aiwa wako ndiye wafa wangu mupenyu.’ ” Mambo ndokuti, “Nditorerei bakatwa!” Saka vakauya nebakatwa kwaari. Mambo akati, “Chekai mwana iyeyo nepakati muvape, muti uyu chidimu uyu chidimu.” Pamusana pokunzwa mwoyo kurwadza amai vomwana mupenyu uyu vakati kuna mambo, “Changamire chimupai zvenyu mwana mupenyu iyeyu musambomuuraya zvenyu.” Asi mumwe wacho akati, “Ngaarege kuva wako kana wangu ngaatodimurwa.” Mambo akati, “Mwana mupenyu uyu ngaapiwe mukadzi uyu, musamuuraye, ndivo amai vake ivava.” Isiraeri yose yakanzwa mutongero wainge waitwa namambo zvikaita kuti vatye mambo, nokuti vakanga vaona kuti aiva noungwaru hwaMwari pakutonga.