Zvino vakadzi vaviri, vaiva zvipfeve, vakasvika kuna mambo, vakamira pamberi pake. Mumwe mukadzi akati, “Haiwa, ishe wangu, ini nomukadzi uyu tigere paimba imwe; ini ndikapona mwana ndigere naye paimba. Zvino ini ndakati ndapona mazuva matatu, mukadzi uyu akaponawo, tigere pamwechete; kwakanga kusino mweni nesu mumba, asi isu vaviri toga mumba. Zvino mwana womukadzi uyu akafa usiku, nokuti wakavata pamusoro pake. Akamuka pakati pausiku, akatora mwanakomana wangu parutivi rwangu, murandakadzi wenyu avete, akamuradzika pachipfuva chake, akaradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu. Zvino ndakati ndichimuka mangwanani kuzomwisa mwana wangu, ndikawana akafa; asi ndakati ndichimucherekedza mangwanani, wonei haazi mwanakomana wangu, wandakabereka.” Ipapo mumwe mukadzi wakati, “Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako;” uyu akati, “Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.” Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
Ipapo mambo akati, “Mumwe unoti, ‘Mwanakomana wangu ndouyu mupenyu, mwana wako ndiye wakafa;’ mumwezve unoti, ‘Kwete, asi mwanakomana wako ndiye wakafa, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.’ ”
Mambo akati, “Nditorerei munondo.” Vakauya nomunondo kuna mambo. Mambo akati, “Gurai mwana mupenyu napakati, mupe mumwe rutivi rumwe, nomumwe rumwe rutivi.”
Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nokuti mwoyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, “Haiwa, ishe wangu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya.” Asi mumwe wakati, “Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.”
Ipapo mambo akapindura, akati, “Mumupe mwana mupenyu, regai kumuuraya; ndivo mai vake.”
VaIsiraeri vose vakanzwa kutonga kwamambo, vakatya mambo; nokuti vakaona kuti kungwara kwaMwari kwaiva maari, kuti atambe mhaka zvakanaka.